Estere 5:6 - Bhaibhiri Idzva rechiShona6 Pavaingunonwa zvavo waini, mambo akati kuna Esita, “Chichemo chako ndechipiko? Unotozviitirwa chete, chiiko chauri kukumbira? Kunyange chikava zvacho chikamu chapakati napakati chaicho choumambo hwangu zvinofanira kuti zvitoitwa.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 Ɀino mambo akati kunaEstere pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera? Ucaɀipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20026 Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, “Chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Pavaingunonwa zvavo waini, mambo akati kuna Esita, “Chichemo chako ndechipiko? Unotozviitirwa chete, chiiko chauri kukumbira? Kunyange chikava zvacho chikamu chapakati napakati chaicho choumambo hwangu zvinofanira kuti zvitoitwa.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Pavakanga vachinwa waini, mambo akabvunzazve Esteri achiti, “Zvino, chikumbiro chako ndechei? Uchachipiwa. Uye unokumbireiko? Kunyange hafu youshe, uchapiwa.” Viz kapitolaShona BIBLE6 Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, “Chiiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyangwe uchikumbira hafu youshe hwangu.” Viz kapitola |