Estere 5:1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona1 Pazuva retatu Esita akapfeka hanzu dzake dzouhosi hokwamambo akandomira munhandare yomukati yomumuzinda wamambo pakatarisana nezimba rokusanganira rokwamambo. Mambo akanga agere zvake pachigaro chake choumambo mumuzinda imomo pakatarisana nepokupinda napo mumuzinda. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ɀino pazuʋa recitatu Estere wakafuka ŋguʋo dzake dzoʋuhosi, akandomira paruʋazhe rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo wakaŋga agere pacigaro cake coʋushe paimba yake yoʋushe, pakatarisana nomukoʋa weimba. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20021 Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Pazuva retatu Esita akapfeka hanzu dzake dzouhosi hokwamambo akandomira munhandare yomukati yomumuzinda wamambo pakatarisana nezimba rokusanganira rokwamambo. Mambo akanga agere zvake pachigaro chake choumambo mumuzinda imomo pakatarisana nepokupinda napo mumuzinda. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi1 Pazuva rechitatu Esteri akapfeka nguo dzake dzouhosi ndokumira muruvazhe rwomukati momuzinda, pamberi peimba yamambo. Mambo akanga akagara pachigaro chake choushe mumba, akatarisana nomukova. Viz kapitolaShona BIBLE1 Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba. Viz kapitola |