Estere 10:2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona2 Noukuru hwake nesimba raaiva naro, mabasa ose aakaita nenhoroondo chaiyo izere yokududza pachena ukuru ukuru hwaModhekai hwaakapiwa naiye mambo zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo ePezhiya neeMidhia. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)2 Ɀino maɓasa ake ose ecikuriri, nesimba rake, ʋuye ɀose ɀoʋukuru bgaMordekai, bgaakakudzwa nabgo namambo, haɀina‐kunyorwa here pabuku yamakoronike amadzimambo eMedia nePersia? Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20022 Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yamakoronike amadzimambo eMedhia nePerisa? Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika2 Noukuru hwake nesimba raaiva naro, mabasa ose aakaita nenhoroondo chaiyo izere yokududza pachena ukuru ukuru hwaModhekai hwaakapiwa naiye mambo zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo ePezhiya neeMidhia. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi2 Uye mabasa ake ose esimba noukuru nerondedzero youkuru hwaModhekai hwaakanga asimudzirwa namambo, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eMedhia nePezhia? Viz kapitolaShona BIBLE2 Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yamakoronike amadzimambo eMidhia nePezhia? Viz kapitola |