Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 8:19 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

19 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Kutsanya kwomwedzi wechina, wechishanu, wechinomwe nowegumi kuchava nguva dzomufaro nokupembera, nemitambo yomufaro kuna Judha. Naizvozvo mude zvokwadi norugare.”

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

19 Ɀanzi naJehova wehondo: Kuɀinyima ɀokudya nomŋedzi wecinna, nokuɀinyima ɀokudya nomŋedzi wecishanu, nokuɀinyima ɀokudya nomŋedzi wecinomŋe, nokuɀinyima ɀokudya nomŋedzi wegumi, ɀinofanira kuʋa kuimba yaJuda mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka iɗai ɀokwaɗi norugare.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

19 “Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Kuzvinyima zvokudya nomwedzi wechina, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechishanu, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechinomwe, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wegumi, zvinofanira kuva kuimba yaJudha mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka idai zvokwadi norugare.’ ”

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

19 “Zvanzi naTENZI wehondo nehondo kutsanya kwapamwedzi wechina, nokutsanya kwapamwedzi wechishanu, nokutsanya kwewechinomwe uye nokutsanya kwewechigumi kunofanira kuva mwaka yokupembera kufara namazuva makuru okupembera kune vemba yokwaJudha, naizvozvo idai chokwadi norugare.”

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Zekaria 8:19

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy