Zekaria 13:6 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’ Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 Kana mumŋe akati kwaari: Ko maʋaŋga awa ari pakati peɀanza ɀako ndeeiko? Ipapo ucapindura, aciti: Ndi’po pandakakuʋadzwa mumba meshamŋari dzaŋgu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20026 “Kana mumwe akati kwaari, ‘Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko?’ Ipapo achapindura, achiti, ‘Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.’ ” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Kana munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda ari pamusana pako ndeei?’ Iye achati, ‘Ndakaawana mumba meshamwari dzangu.’ ” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona6 Kana munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda ari pamusana pako ndeei?’ Iye achati, ‘Ndakaawana mumba meshamwari dzangu.’ ” Viz kapitola |