Zefania 3:20 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi20 Panguva iyoyo ndichakuunganidzai; panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha. Ndichakupai rukudzo nerumbidzo pakati pavanhu vose vapanyika, pandichadzora pfuma yenyu muchizviona nameso enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)20 Neŋguʋa iyo ndicakuʋuyisai, neŋguʋa iyo ndicakuʋuŋganidzai, nokuti ndicakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika, kana ndicidzosa kutapxa kwenyu, imi muciɀiʋona — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200220 Nenguva iyo ndichakuuyisai, nenguva iyo ndichakuunganidzai, nokuti ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imi muchizviona ndizvo zvinotaura Jehovha.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika20 “Panguva iyoyo ndichakudzorerai kumusha, panguva yacho yandinenge ndakuunganidzai pamwechete. Honguka ndichaita kuti muve nembiri nokurumbidzwa pakati pamarudzi ose avanhu vepanyika pandinenge ndokudzorerai kubudirira kwenyu muchitozviona.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona20 “Panguva iyoyo ndichakudzorerai kumusha, panguva yacho yandinenge ndakuunganidzai pamwechete. Honguka ndichaita kuti muve nembiri nokurumbidzwa pakati pamarudzi ose avanhu vepanyika pandinenge ndokudzorerai kubudirira kwenyu muchitozviona.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Viz kapitola |