Zefania 2:11 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi11 Jehovha achava anotyisa kwavari paachaparadza vamwari vose venyika. Ndudzi pamahombekombe ose dzichamunamata, rudzi rumwe norumwe munyika yarwo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)11 Jehova ucaʋatyisa kwaɀo, nokuti ucaparadza ʋamŋari ʋose ʋenyika; ʋanhu ʋacamunamata iye, mumŋe nomumŋe acibva panɀimbo yake, naiɀo ɀiwi ɀose ɀendudzi. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200211 Jehovha achavatyisa kwazvo, nokuti achaparadza vamwari vose venyika; vanhu vachamunamata iye, mumwe nomumwe achibva panzvimbo yake, naizvo zviwi zvose zvendudzi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika11 Tenzi achavatyisa kwazvo. Hongu achashayisa maturo vamwari vapanyika vese uye marudzi achati kwaari pasi gwadagwa vari kunzvimbo dzavo ikoko. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona11 Tenzi achavatyisa kwazvo. Hongu achashayisa maturo vamwari vapanyika vese uye marudzi achati kwaari pasi gwadagwa vari kunzvimbo dzavo ikoko. Viz kapitola |