ƲaHeberu 8:5 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 iʋo ʋanoshumira mufananidzo nomumvuri weɀokuɗeŋga, seɀaakarairwa iye Mosesi oɗa kuita tabernakeri; nokuti wakati: Tarira, uite ɀose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20025 ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarayirwa iye Mosesi oda kuita tabhenakeri; nokuti akati, “Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Vanonamata muNzvimbo inoera inongova somufananidzo nomumvuri weiri kudenga nokuti Mosesi paakanga ava kuvaka tendhe akataurirwa naMwari achinzi, “Ona kuti waita zvose maererano nezvawakaratidzwa pagomo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona5 Vanonamata muNzvimbo inoera inongova somufananidzo nomumvuri weiri kudenga nokuti Mosesi paakanga ava kuvaka tendhe akataurirwa naMwari achinzi, “Ona kuti waita zvose maererano nezvawakaratidzwa pagomo.” Viz kapitola |