ƲaHeberu 6:8 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 asi kana ikaɓereka minzwa norukato, inorashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20028 asi kana ikabereka minzwa norukato, inorakashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Asi kana robereka minzwa nedonzvambeva nesosowori, harina maturo. Ratova padyo nokunyobwa; mugumo waro kupiswa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona8 Asi kana robereka minzwa nedonzvambeva nesosowori, harina maturo. Ratova padyo nokunyobwa; mugumo waro kupiswa. Viz kapitola |