Online Bible

- Reklamy -

Rute 4:7 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

7 (Zvino pamazuva akare muIsraeri, pakutenga nokutsinhana midziyo uye kuti zvisimbiswe, mumwe aibvisa shangu yake oipa kuno mumwe. Iyi ndiyo yaiva nzira yokuita chibvumirano zviri pamutemo muIsraeri.)

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

7 Ɀino iyi ndiyo tsika yakaŋga iri’po kare pakati paʋaIsraeri kana ʋacidzikinura nokutsinhanha, kuti ɀose ɀisimbiswe: Munhu waibvisa shaŋgu yake, ndokuipa hama yake; ndiwo waiʋa mutoʋo wokupupura nawo paʋaIsraeri.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

7 Zvino iyi ndiyo tsika yakanga iripo kare pakati pavaIsiraeri kana vachidzikinura nokutsinhanha, kuti zvose zvisimbiswe. Munhu waibvisa shangu yake, ndokuipa hama yake, ndiwo waiva mutoo wokupupura nawo pavaIsiraeri.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

7 Zvino kareko muIsiraeri maiva netsika yaiitwa pakununura zvinhu napakutengeserana. Chiratidzo chavaiita chokusimbisa kuti paitwa chibvumirano ndechichi chokuti nyakutengesa aibvisa shangu yake oipa kuna nyakutenga. Ndiko kusimbisa kwaiitwa chibvumirano muIsiraeri.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Rute 4:7

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy