Ruka 8:47 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi47 Ipapo mukadzi akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera akasvikowira patsoka dzake. Pamberi pavanhu vose akamuudza kuti sei akanga amubata, uye kuti akanga apora sei pakarepo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)47 Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti haana‐kuʋanzika, akaʋuya, aciɗeɗera, akaɀiwisira pasi pamberi pake, akamuʋudza pamberi paʋose kuti wakaŋga amuɓata nemhaka yei, ʋuye kuti wakaporeswa pakarepo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200247 Zvino mukadzi akati achiona kuti haana kuvanzika, akauya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuudza pamberi pavose kuti akanga amubata nemhaka yei, uye kuti akaporeswa pakarepo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika47 Mukadzi uya paakaona kuti haana kuvandika, akauya achidedera akawira pasi pamberi pake akadura pachena pamberi pavanhuvose, kuti akanga amubatirei, uye kuti akabva aporeswa sei, pakare pakarepo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona47 Mukadzi uya paakaona kuti haana kuvandika, akauya achidedera akawira pasi pamberi pake akadura pachena pamberi pavanhuvose, kuti akanga amubatirei, uye kuti akabva aporeswa sei, pakare pakarepo. Viz kapitola |