Ruka 4:25 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi25 Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo munyika yose. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)25 Ndinokuʋudzai shoko iri raɀokwaɗi: Kwakaŋga kunecirikadzi zhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa aEria, paŋguʋa yakazarirwa ɗeŋga makore matatu nemŋedzi mitanhatu, nzara huru ikaʋa’po panyika yose; Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200225 Ndinokuudzai shoko iri razvokwadi. Kwakanga kune chirikadzi zhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose; Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika25 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri muIsiraeri makanga muine chirikadzi zhinji pamazuva aEriya, panguva iya yakapfigwa denga kukasanaya kwamakore matatu nemwedzi mitanhatu, kukava nenzara huru munyika yose, Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona25 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri muIsiraeri makanga muine chirikadzi zhinji pamazuva aEriya, panguva iya yakapfigwa denga kukasanaya kwamakore matatu nemwedzi mitanhatu, kukava nenzara huru munyika yose, Viz kapitola |