Ruka 2:20 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi20 Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa uye zvavakaona, zvakanga zvakangoita sezvavakanga vataurirwa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)20 Ɀino ʋafudzi ʋakadzokera kwakare, ʋacikudza nokurumbidza Mŋari pamsoro peɀose ɀaʋakanzwa neɀaʋakaʋona, seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200220 Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakaona, sezvavakanga vaudzwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika20 Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pazvose zvavakanga vanzwa nezvavakaona sokuudzwa kwavakaitwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona20 Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pazvose zvavakanga vanzwa nezvavakaona sokuudzwa kwavakaitwa. Viz kapitola |