Ruka 14:9 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 ɀino wakakukokera iwe naye, uŋgaȿika, akati kwauri: Ibva’po, munhu uyu agare; ipapo ucataŋga kugara kucigaro ceshure ucinyara. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20029 zvino akakukokera iwe naye, angasvika, akati kwauri, ‘Ibvapo, munhu uyu agare; ipapo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyarara.’ Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 Zvino iye akukokai mose angauye oti kwauri chipa nzvimbo yako kune munhu uyu. Ndipo paunozotangisa, kundogara pachigaro chevepasi pasi uchinyara. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona9 Zvino iye akukokai mose angauye oti kwauri chipa nzvimbo yako kune munhu uyu. Ndipo paunozotangisa, kundogara pachigaro chevepasi pasi uchinyara. Viz kapitola |