Nehemia 9:38 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi38 “Nokuda kwezvose izvi, tiri kuita chitenderano chakasimba, tichichinyora, vatungamiri vedu, uye vaRevhi vedu navaprista vedu vachaisa chisimbiso chavo pachiri.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)38 Kunyaŋge ɀose ɀakaɗaro haɀo, tinoita suŋgano inesimba, ticiinyora; namacinda eɗu, naʋaRevi ʋeɗu, naʋaprista ʋeɗu ʋanoisimbisa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200238 “Kunyange zvose zvakadaro hazvo, tinoita sungano ine simba, tichiinyora; namachinda edu, navaRevhi vedu, navapristi vedu vanoisimbisa.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika38 Pamusana paizvozvi zvose tinosunga chitenderano tigochinyora, vatungamiriri vedu nevaRevhi navapristi vaise pachiri chidhindo chavo choumbo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona38 Pamusana paizvozvi zvose tinosunga chitenderano tigochinyora, vatungamiriri vedu nevaRevhi navapristi vaise pachiri chidhindo chavo choumbo. Viz kapitola |