Nehemia 9:35 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi35 Kunyange pavakanga vachibata ushe hwavo, vachifarira kunaka kwenyu kukuru kwavari munyika yamakavapa, munyika yakakura uye ine ivhu rakanaka, havana kukushumirai kana kusiya nzira dzavo dzakaipa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)35 Nokuti haʋana‐kukushumirai paʋushe bgaʋo, ʋuye nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu ʋukuru bgamakaʋaitira, napanyika huru inefuma yamakaʋapa; haʋana‐kurega maɓasa aʋo akaipa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200235 Nokuti havana kukushumirai paushe hwavo, uye nokuda kwounyoro hwenyu hukuru hwamakavaitira, napanyika huru ine pfuma yamakavapa; havana kurega mabasa avo akaipa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika35 Kunyange pavainge vari muumambo hwavo havana kukushandirai, vari mune zvakanaka kwazvo zvamaivapa, muzidhandanda renyika yakapfuma yamakatovaisira zvenyu pamberi pavo kupa; asi zvokusiyana nemabasa avo akaipa, havana. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona35 Kunyange pavainge vari muumambo hwavo havana kukushandirai, vari mune zvakanaka kwazvo zvamaivapa, muzidhandanda renyika yakapfuma yamakatovaisira zvenyu pamberi pavo kupa; asi zvokusiyana nemabasa avo akaipa, havana. Viz kapitola |