Nehemia 8:9 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Ipapo Nehemia mubati, Ezira, muprista nomunyori, navaRevhi vairayira vanhu vakati kwavari vose, “Zuva iri idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musachema kana kuungudza.” Nokuti vanhu vose vainge vachichema pavaiteerera kumashoko omurayiro. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Ipapo muɓati Nehemia, nomuprista Ezra munyori, naʋaRevi ʋakadzidzisa ʋanhu, ʋakati kuʋanhu ʋose: Zuʋa rino idɀene kunaJehova Mŋari wenyu; musawuŋgudza nokucema; nokuti ʋanhu ʋose ʋakacema ʋacinzwa mashoko omurairo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20029 Ipapo mubati Nehemiya, nomupristi Ezira munyori, navaRevhi vakadzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose, “Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musaungudza nokuchema; nokuti vanhu vose vakachema vachinzwa mashoko omurayiro.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 Nehemiya aiva ari gavhuna, nomupristi Ezira nyanzvi yomutemo, nevaRevhi vaifundisa vanhu vakati kuvanhu vose, “Zuva irori izuva raTenzi, Mwari wenyu rinoera, regai kuchema kana kuungudza.” Chaivapo ndechokuti vanhu vose vakachema pavakanzwa mashoko omutemo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona9 Nehemiya aiva ari gavhuna, nomupristi Ezira nyanzvi yomutemo, nevaRevhi vaifundisa vanhu vakati kuvanhu vose, “Zuva irori izuva raTenzi, Mwari wenyu rinoera, regai kuchema kana kuungudza.” Chaivapo ndechokuti vanhu vose vakachema pavakanzwa mashoko omutemo. Viz kapitola |