Nehemia 5:8 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 uye ndikati, “Napataigona napo takadzikinura hama dzedu dzechiJudha avo vakanga vatengeswa kune vedzimwe ndudzi. Zvino imi mava kutengesa hama dzenyu, kuti dzigotengeswazve kwatiri here?” Vakanyarara nokuti vakashayiwa chokutaura. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Ndikati kwaʋari: Isu takadzikinura hama dzeɗu ʋaJuda dzakaŋga dzateŋgeswa kuʋahedeni patakagona napo; ɀino imi moɗa‐kuteŋgesa hama dzenyu, moɗa kuti dziteŋgeswe kwatiri here? Ipapo ʋakaramba ʋanyerere, ʋakashaiwa neshoko cose. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20028 Ndikati kwavari, “Isu takadzikinura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here?” Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 ndikavati, “Isu takaedzawo napatinogona kununura hama dzedu dzechiJudha dzakanga dzatengeswa kune vechirudzi, asi imi ndopamava kutotengesa zvenyu hama dzenyu kuti isu titoita zvokuvatenga zvakare!” Vakati mwiro-o romuromo vakarishaya. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona8 ndikavati, “Isu takaedzawo napatinogona kununura hama dzedu dzechiJudha dzakanga dzatengeswa kune vechirudzi, asi imi ndopamava kutotengesa zvenyu hama dzenyu kuti isu titoita zvokuvatenga zvakare!” Vakati mwiro-o romuromo vakarishaya. Viz kapitola |