Mupiro 8:7 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Akapfekedza Aroni nguo akamusunga bhanhire, akamupfekedza jasi, uye akamupfekedza efodhi. Akasungirirawo efodhi paari nendaza yakanga yakasonwa nounyanzvi; saka yakasungirirwa paari. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 akamufukidza jasi, ndokumusuŋga ciʋuno nebanhire, akamufukidza ŋguʋo, akamuisa efodi, nokumusuŋga ciʋuno nebande reefodi rakarukwa noʋucenjeri, ndokurisuŋgira kwaari naro. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20027 akamufukidza jasi, ndokumusunga chiuno nebhanhire, akamufukidza nguo, akamuisa efodhi, nokumusunga chiuno nebhande reefodhi rakarukwa nouchenjeri, ndokurisungira kwaari naro. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Akamupfekedza hanzu refu inoda kusvika mumabvi, akamusunga mudya muchiuno. Akamupfekedzawo gemenzi, nehanzu yeefodhi akamusunga mudya wakarukwa zvakanaka kwazvo weefodhi, achimusunga muchiuno nawo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona7 Akamupfekedza hanzu refu inoda kusvika mumabvi, akamusunga mudya muchiuno. Akamupfekedzawo gemenzi, nehanzu yeefodhi akamusunga mudya wakarukwa zvakanaka kwazvo weefodhi, achimusunga muchiuno nawo. Viz kapitola |