Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 26:36 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

36 “ ‘Kana vari vamwe venyu vanosara, ndichaita kuti hana dzavo dzizare nokutya munyika dzavavengi vavo zvokuti kurira kweshizha rinopeperetswa nemhepo kuchaita kuti vatize. Vachamhanya vachiwirana sokunge vari kutiza munondo, vachawa kunyange pasina ari kuvadzinganisa.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

36 Kana ʋari ʋamŋe ʋenyu ʋakasara, ndicatuma kutya pamŋoyo yaʋo ʋari munyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo; kana ʋacinzwa shizha ricipepereka, ʋacatiza; ʋacatiza somunhu unotiza munondo, ʋacawa kunyaŋge kusinomunhu unoʋadziŋga.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

36 “Kana vari vamwe venyu vakasara, ndichatuma kutya pamwoyo yavo vari munyika yavavengi vavo; kana vachinzwa shizha richipepereka, vachatiza; vachatiza somunhu unotiza munondo, vachawa kunyange kusina munhu unovadzinga.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

36 “Chitsama chavanhu vanenge vasara ikoko kunyika dzevavengi venyu ndichachipa mwoyo woumbwende zvokuti kunyange mhepo ikapeperetsa shizha rikati shwakata vachati pfocho kutiza. Vachamhanya savanhu vari kutiza hondo yebakatwa. Vachaputsika pasina munhu ari kuvadzingirira.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Mupiro 26:36

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy