Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 26:16 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

16 ipapo ndichaita izvi kwamuri: Ndichauyisa pamusoro penyu zvinotyisa, zvirwere zvinoparadza nedenda richaparadza meso enyu, uye rigokusvetai upenyu hwenyu. Muchadyarira zviyo zvenyu pasina nokuti vavengi venyu vachazvidya.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

16 neni ʋo ndicakuitirai iɀi: Ndicaʋuyisa ɀinotyisa pamsoro penyu, hosha yorukosoro nefiviri ɀicaparadza meso nokuwondisa mŋeya yenyu; mucadɀara mbeu yenyu pasina, nokuti ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaɀidya.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

16 neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, hosha yorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadyara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachazvidya.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

16 zvandichaita kwamuri ndezvizvi: ndichakutsvatai nenhamo dzinodederesa, muchaperezeka muchipisa muviri nechirwere chinokupofomadzai muchizoondoroka zvokufa. Muchadyarira mbeu dzenyu pasina, nokuti vavengi venyu ndovachadzidya.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

16 zvandichaita kwamuri ndezvizvi: ndichakutsvatai nenhamo dzinodederesa, muchaperezeka muchipisa muviri nechirwere chinokupofomadzai muchizoondoroka zvokufa. Muchadyarira mbeu dzenyu pasina, nokuti vavengi venyu ndovachadzidya.

Viz kapitola kopírovat

Mupiro 26:16

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy