Mupiro 25:50 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi50 Iye neanomutenga vanofanira kuverenga nguva kubva pagore raakazvitengesa kusvikira paGore reJubhiri. Mutengo wokusunungurwa kwake unofanira kuenzaniswa nemari inoripwa mushandi wemaricho kwamakore iwayo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)50 Ɀino iye nomuteŋgi wake ʋanofanira kuʋereŋga makore kubva pagore raakaɀiteŋgesa naro kwaari kuȿikira pagore rejuberi, muteŋgo waakaɀiteŋgesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; ŋguʋa yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa neŋguʋa yomuɓatiri unopiwa muɓairo wake. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200250 Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika50 Ngaaverengerane makore nomunhu akamutenga, kubvira pagore raakazvitengesa kwaari kusvikira pagore rehwamanda. Mari yacho inofanira kuwirirana nemakore acho. Makore aakanga aina vatenzi vake anofanira kutorwa semakore aakanga achiita zvake basa somushandi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona50 Ngaaverengerane makore nomunhu akamutenga, kubvira pagore raakazvitengesa kwaari kusvikira pagore rehwamanda. Mari yacho inofanira kuwirirana nemakore acho. Makore aakanga aina vatenzi vake anofanira kutorwa semakore aakanga achiita zvake basa somushandi. Viz kapitola |