Mupiro 23:12 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi12 Pazuva ramunoninira chisote, munofanira kubayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha, gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara, Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)12 Nomusi wamunozuŋguzira cisote nawo, munofanira kuʋuya negwaiana regondobge risina‐kuremara, rinegore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200212 Nomusi wamunozunguzira chisote nawo, munofanira kuuya negwayana regondohwe risina kuremara, rine gore rimwe, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika12 Pazuva ramunoita mupiro unosimudzirwa uchipirwa Mwari, munofanira kupira Tenzi hwayana hono, ine gore rimwechete, isina chinoshoreka yomupiro wokupisa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona12 Pazuva ramunoita mupiro unosimudzirwa uchipirwa Mwari, munofanira kupira Tenzi hwayana hono, ine gore rimwechete, isina chinoshoreka yomupiro wokupisa. Viz kapitola |