Mupiro 20:27 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi27 “ ‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’ ” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)27 Murume kana mukadzi unoȿikirwa, kana uri muʋuki, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋanofanira kutakwa namabge; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200227 “Murume kana mukadzi unosvikirwa, kana uri muuki, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanofanira kutakwa namabwe; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika27 “Munhurume kana munhukadzi ari svikiro kana muroyi ngaauraiwe, ngavatakwe nemabwe. Rufu rwavo nderwokuzviparira.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona27 “Munhurume kana munhukadzi ari svikiro kana muroyi ngaauraiwe, ngavatakwe nemabwe. Rufu rwavo nderwokuzviparira.” Viz kapitola |