Mupiro 2:11 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi11 “ ‘Zvipiriso zvose zvezviyo zvamunouya nazvo kuna Jehovha zvinofanira kugadzirwa pasina mbiriso nokuti hamufaniri kupisa chero mbiriso kana uchi muchipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)11 Cipiriso cipi necipi coʋupfu camunoʋuya naco kunaJehova ŋgacirege kuitwa nembiriso, nokuti hamufaniri kupisira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto cinembiriso kana ʋuci. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200211 Chipiriso chipi nechipi choupfu chamunouya nacho kuna Jehovha ngachirege kuitwa nembiriso, nokuti hamufaniri kupisira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto chine mbiriso kana uchi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika11 Ngakurege zvako kuva nomupiro wembesanwa waunounza kuna Tenzi uine mbiriso nokuti haufanire kupira kuna Tenzi mbiriso kana uchi zvahwo somupiro unoitwa zvokupisa kuna Tenzi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona11 Ngakurege zvako kuva nomupiro wembesanwa waunounza kuna Tenzi uine mbiriso nokuti haufanire kupira kuna Tenzi mbiriso kana uchi zvahwo somupiro unoitwa zvokupisa kuna Tenzi. Viz kapitola |