Mupiro 18:17 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi17 “ ‘Usasangana nomukadzi pamwe chete nomwanasikana wake. Usasangana nomwanasikana womwanakomana wake kana mwanasikana womwanasikana wake; ihama dzake dzepedyo. Zvakaipa izvozvo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)17 Usafukura mukadzi pamŋe cete nomŋanasikana wake; usatora mŋanasikana womŋanakomana wake, kana mŋanasikana womŋanasikana wake, kuti umufukure; ihama dzomumba; ɀakashata. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200217 Usafukura mukadzi pamwechete nomwanasikana wake; usatora mwanasikana womwanakomana wake, kuti umufukure; ihama dzomumba; zvakashata. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika17 Usatorane nomukadzi pedzepo wozotoranazve nemwanamusikana wake, kana kutorona nemwana womwanakomana wake kana nemwana womwanasikana wake. Vane ukama newe zvakaipa izvozvo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona17 Usatorane nomukadzi pedzepo wozotoranazve nemwanamusikana wake, kana kutorona nemwana womwanakomana wake kana nemwana womwanasikana wake. Vane ukama newe zvakaipa izvozvo. Viz kapitola |