Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 12:8 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

8 Kana asingakwanisi kuuya negwayana, anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, imwe yechipiriso chinopiswa imwe yechipiriso chechivi. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye achava akachena.’ ”

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

8 Kana akasakwanisa kuʋuya negwaiana, ŋgaatore njiʋa mbiri kana twana tuʋiri twenjiʋa; imŋe ciʋe cipiriso cinopiswa, neimŋe cipiriso ceɀiʋi; kuti muprista amuyananisire, anake.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

8 Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupristi amuyananisire, anake.”

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

8 Kana asingakwanisi kuwana hwayana, ngaauye nenjiva mbiri, kana man'ana ehangaiwa. Imwe ngaive yemupiro wokupisa, imwe yacho ive yomupiro wokupfupira zvitadzo. Ipapo mupristi ngaapire kuna Mwari mupiro wokupfupira zvitadzo zvomukadzi iyeyo, achabva achenurwa.”

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Mupiro 12:8

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy