Mupiro 10:3 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha paakati: “ ‘Pakati peavo vachaswedera kwandiri ndicharatidza utsvene hwangu, pamberi pavanhu vose ndichakudzwa.’ ” Aroni akaramba anyerere. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Jehova wakataura cinhu ici, akati: Ndicaɀiratidza kuti ndiri mutȿene munaʋose ʋanosweɗera kwandiri, ndicaɀirumbidza pamberi paʋanhu ʋose. Aroni akanyarara. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 Zvino Mosesi akati kuna Aroni, “Jehovha wakataura chinhu ichi, akati, ‘Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose.’ ” Aroni akanyarara. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Mosesi akataurira Aroni achiti, “Hezvoka! Handiti ndizvo zvakamboreva Mwari achiti, ‘Ndicharatidza vanhu vose vanouya kwandiri kuti ini ndinoera uyewo vanhu vose vachandiremekedza.’ ” Asi Aroni akadumbirwa nazvo akapererwa neromuromo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona3 Mosesi akataurira Aroni achiti, “Hezvoka! Handiti ndizvo zvakamboreva Mwari achiti, ‘Ndicharatidza vanhu vose vanouya kwandiri kuti ini ndinoera uyewo vanhu vose vachandiremekedza.’ ” Asi Aroni akadumbirwa nazvo akapererwa neromuromo. Viz kapitola |