Mupiro 1:12 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi12 Anofanira kucheka nyama muzvidimbu uye muprista achaironga pamwe chete nomusoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)12 Ipapo unofanira kugura‐gura nhindi pamŋe cete nomusoro waco namafuta aco, muprista agoɀigadzira pamsoro pehuni dziri pamŋoto pamsoro peartari. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200212 Ipapo anofanira kugura-gura nhindi pamwechete nomusoro wacho namafuta acho, mupristi agozvigadzira pamusoro pehuni dziri pamoto pamusoro peatari. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika12 Munhu iyeyo ngaaiteme-teme nomusoro wayo namafuta ayo, mupristi ngaaironge paatari, ayo pamusoro pehuni dziri kubvira moto paatari. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona12 Munhu iyeyo ngaaiteme-teme nomusoro wayo namafuta ayo, mupristi ngaaironge paatari, ayo pamusoro pehuni dziri kubvira moto paatari. Viz kapitola |