Online Bible

- Reklamy -

Mika 4:3 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

3 Achatonga pakati pamarudzi mazhinji uye achapedza gakava pakati pendudzi dzine simba dziri kure kure. Vachapfura minondo yavo vagoiita mapadza, namapfumo vachiaita mapanga okuchekerera miti. Rudzi harungasimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzirizve kurwa.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

3 Iye ucatoŋga pakati pamarudzi mazhinji, ucaruramisira marudzi anesimba ari kure; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rudzi rumŋe haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

3 Iye achatonga pakati pamarudzi mazhinji, acharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

3 Ndiye achava mutongi wamarudzi avanhu akawanda achienzanisira mhosva dzendudzi dzavanhu kusvikira kuna vari kure kure. Vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yegejo, mapfumo avo vachiaita majeko okupemhenesa miti nawo, pasisina rudzi runosumudzira rumwe rudzi bakatwa, uye zvokudzidza kurwa hondo panenge pasisina.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Mika 4:3

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy