Mateo 4:24 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi24 Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)24 Mukurumbira wake ukanzwika kunyika yose yeSiria; ʋakaʋuya kwaari naʋairwara ʋose, naʋakaɓatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzi, naʋakaŋga ʋanemŋeya yakaipa, naʋaneɀipusha, naʋakaŋga ʋakafa mitezo, akaʋaporesa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200224 Mukurumbira wake wakanzwika kunyika yose yeSiria; vakauya kwaari navairwara vose, navakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vane mweya yakaipa, navakanga vane zvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika24 Mukurumbira wake wakapararira neSiria yose. Vakaunza kwaari varwere vose vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana–siyana namamwewo marwadzo navakanga vakagarwa nemweya yakaipa, navaiva netsviyo navakanga vane mitezo yomuviri yavo yakafa akavarapa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona24 Mukurumbira wake wakapararira neSiria yose. Vakaunza kwaari varwere vose vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana–siyana namamwewo marwadzo navakanga vakagarwa nemweya yakaipa, navaiva netsviyo navakanga vane mitezo yomuviri yavo yakafa akavarapa. Viz kapitola |