Online Bible

- Reklamy -




Mateo 23:27 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

27 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

27 Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti makafanana namarinda akaceneswa, anoʋonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa aʋakafa netȿina yose.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

27 “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

27 “Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, makafanana namakuva akadzururwa kuti mbuu nesuko. Anoratidzika zvakanakisa kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nokuora kose.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

27 “Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, makafanana namakuva akadzururwa kuti mbuu nesuko. Anoratidzika zvakanakisa kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nokuora kose.

Viz kapitola kopírovat




Mateo 23:27

Následuj nás:

Reklamy


Reklamy