Mateo 18:7 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 “Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Nyika inenhamo nemhaka yeɀigumbuso! Nokuti ɀigumbuso ɀinofanira kuʋuya haɀo; asi unenhamo munhu uyo unogumbusa ʋamŋe. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20027 “Nyika ine nhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuuya hazvo; asi anenhamo munhu uyo anogumbusa vamwe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Nhamo ndeyayo nyika pamusana pekufurira kwainoita! Kufuririka kunototi kuitike asi nhamo ndeyake munhu uyo anoita kuti vamwe vafuririke. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona7 Nhamo ndeyayo nyika pamusana pekufurira kwainoita! Kufuririka kunototi kuitike asi nhamo ndeyake munhu uyo anoita kuti vamwe vafuririke. Viz kapitola |