Online Bible

- Reklamy -




Mateo 15:32 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

32 Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.”

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

32 Ɀino Jesu wakaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati: Ndinetsits inaʋanhu ʋazhinji aʋa, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya; handiɗi kuʋaendisa ʋanenzara, ɀimŋe ʋaŋgaziya panzira.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

32 Zvino Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendesa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.”

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

32 Jesu akadaidza vadzidzi vake akati, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya zvino havachisina chokudya. Handide kuvaendesa nenzara vangadaro vakaziya panzira.”

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

32 Jesu akadaidza vadzidzi vake akati, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya zvino havachisina chokudya. Handide kuvaendesa nenzara vangadaro vakaziya panzira.”

Viz kapitola kopírovat




Mateo 15:32

Následuj nás:

Reklamy


Reklamy