Mariko 14:22 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi22 Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)22 Ɀino ʋakati ʋacidya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa, aciti: Torai, ici ndiwo muʋiri waŋgu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200222 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokuvapa, achiti, “Gamuchirai, ichi uyu muviri wangu.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika22 Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona22 Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” Viz kapitola |