Mariko 1:40 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi40 Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)40 Ɀino munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake, akati kwaari: Kana muciɗa, munogona kundinatsa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200240 Zvino munhu aiva namaperembudzi akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, ndokupfugama pamberi pake, akati kwaari, “Kana muchida henyu, munogona kundinatsa.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika40 Kwakazouya kwaari munhu aiva namaperembudzi achimuteterera, akapfugama achiti, “Kana muchida henyu munogona kundiporesa nokundichenura.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona40 Kwakazouya kwaari munhu aiva namaperembudzi achimuteterera, akapfugama achiti, “Kana muchida henyu munogona kundiporesa nokundichenura.” Viz kapitola |