Maraki 4:3 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Ipapo muchatsikira pasi vakaipa; vachava madota pasi petsoka dzenyu pazuva iro pandichaita zvinhu izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Mucatsikira ʋakaipa pasi; nokuti ʋacaʋa maɗota pasi petsoka dzenyu, nezuʋa randicaita iɀoɀi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 Muchatsikira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu, nezuva randichaita izvozvi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Izvozvo muchatsokodzera pasi vakaipa nokuti vachava madota zvawo pasi petsoka dzenyu pazuva racho randichaita zvandichaita. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona3 Izvozvo muchatsokodzera pasi vakaipa nokuti vachava madota zvawo pasi petsoka dzenyu pazuva racho randichaita zvandichaita. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Viz kapitola |