Maraki 3:10 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi10 Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)10 Ʋuyai neɀegumi ɀose muimba yokuʋigira, kuti ɀokudya ɀiʋe’po mumba maŋgu, mundiidze naiɀoɀi ɀino — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — muʋone kana ndisiŋgakuzaruriyi mawindi okuɗeŋga, ndikakuɗururirai mukomborero wamucashaiwa pokuisa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200210 Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaruriyi mawindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika10 Uyai nezvegumi zvakakwana mumba mokuchengetera zvinhu kuitira kuti mumba mangu muve nechokudya nezvo mundiedze henyu ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo muone kuti ini ndinorega here kukuzarurirai mahwindho okudenga ndichikuwodzvorerai mafashafasha emakomborero. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona10 Uyai nezvegumi zvakakwana mumba mokuchengetera zvinhu kuitira kuti mumba mangu muve nechokudya nezvo mundiedze henyu ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo muone kuti ini ndinorega here kukuzarurirai mahwindho okudenga ndichikuwodzvorerai mafashafasha emakomborero. Viz kapitola |