Mabasa 7:35 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi35 “Ndiye Mozisi uya wavakanga varamba namashoko okuti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?’ Ndiye akatumwa naMwari pachake kuti ave mubati nomusununguri wavo, kubudikidza nomutumwa akazviratidza kwaari mugwenzi. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)35 Uyu Mosesi waʋakaramba, ʋaciti: Ndiani wakakuita muɓati nomutoŋgi? ndiye wakatumŋa naMŋari nomutumŋa wakaʋonekwa naye mugwenzi, kuti aʋe muɓati nomudzikinuri. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200235 “Uyu Mosesi wavakaramba, vachiti, ‘Ndiani wakakuita mubati nomutongi?’ Ndiye akatumwa naMwari nomutumwa akaonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika35 Mosesi uya wavakaramba vachiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi?’ Murume iyeyo ndiye akatumwa naMwari samambo somununuri nesimba romutumwa akazviratidza mugwenzi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona35 Mosesi uya wavakaramba vachiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi?’ Murume iyeyo ndiye akatumwa naMwari samambo somununuri nesimba romutumwa akazviratidza mugwenzi. Viz kapitola |