Mabasa 5:37 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi37 Shure kwake, Judhasi weGarirea akambovapowo pamazuva okuverengwa kwavanhu akatungamirira boka ravanhu mune zvokupanduka. Naiyewo akaurayiwa, uye vose vaimutevera vakaparadzirwa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)37 Shure kwomunhu uyu Judasi weGarirea akamuka, pamazuʋa okuʋereŋgwa, akatsausa ʋanhu kuti ʋamuteʋere; iye akaparara, naʋose ʋakamuterera, ʋakaparadzirwa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200237 Shure kwomunhu uyu Judhasi weGariria akamuka, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuteerera, vakaparadzirwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika37 Mushure make makamuka Judhasi wokuGarirea pamazuva okuverengwa kwavanhu. Akakokorodza vamwe vanhu vakamutevera. Naiyewo akaparara. Vose vaimutevera vakaita rumwe rumwe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona37 Mushure make makamuka Judhasi wokuGarirea pamazuva okuverengwa kwavanhu. Akakokorodza vamwe vanhu vakamutevera. Naiyewo akaparara. Vose vaimutevera vakaita rumwe rumwe. Viz kapitola |