Online Bible

- Reklamy -




Mabasa 27:2 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

2 Takakwira chikepe chaibva kuAdhiramitiami chakanga chava kuenda nomunzvimbo dzaiva kumahombekombe enyika yeEzhia, ndokubva taenda kugungwa. Takanga tiina Aristakusi, muMasedhonia aibva kuTesaronika, pamwe chete nesu.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

2 Ɀino takati tapinda mucikepe ceAdramiteni, cakaŋga coenda napamisha yemhenderekedzo dzeAsia, tikabva tinaAristarko muMakedonia, waibva Tesaronika.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

2 Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramiteni, chakanga choenda napamisha yemhenderekedzo dzeAsia, tikabva tina Arisitakusi muMakedhonia, aibva Tesaronika.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

2 Takakwira chikepe chokuAdhiramitimu chakanga chava kuda kuenda kumaguta okumahombekombe eAsia. Takatangisa kufamba nechikepe tichiperekedzwa naAristakusi mugari wokuMasedhonia aibva kuTesaronika.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

2 Takakwira chikepe chokuAdhiramitimu chakanga chava kuda kuenda kumaguta okumahombekombe eAsia. Takatangisa kufamba nechikepe tichiperekedzwa naAristakusi mugari wokuMasedhonia aibva kuTesaronika.

Viz kapitola kopírovat




Mabasa 27:2

Následuj nás:

Reklamy


Reklamy