Mabasa 19:33 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi33 VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)33 Ipapo ʋakaɓuɗisa Areksandro mukati maʋanhu ʋazhinji, ʋaJuda ʋacimusundira mberi; ɀino Areksandro akaninira noruʋoko, aciɗa kuɀiɗaʋirira pamberi paʋanhu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200233 Ipapo vakabudisa Arekizanda mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Arekizanda akaninira noruoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika33 Vamwe vemhomho iyoyo vakataurira Arekizanda zvokuita nokuti ndiye akanga aiswa mberi navaJudha. Arekizanda akabva aninira vanhu noruoko achida kuzvidavirira kumhomho iyoyo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona33 Vamwe vemhomho iyoyo vakataurira Arekizanda zvokuita nokuti ndiye akanga aiswa mberi navaJudha. Arekizanda akabva aninira vanhu noruoko achida kuzvidavirira kumhomho iyoyo. Viz kapitola |