Joshua 4:8 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 Saka vaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naJoshua. Vakatora matombo gumi namaviri kubva pakati peJorodhani, aienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri, sezvakanga zvataurirwa Joshua naJehovha; vakaatakura vakaenda nawo kumisasa yavo kwavakanoaisa pasi. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakarairwa naJoshua, ʋakanoŋga mabge anegumi namaʋiri pakati paJoridani, seɀakataura Jehova kunaJoshua, akaenzana namarudzi aʋana ʋaIsraeri, ʋakayambuka nawo, ʋakaatakura, kuȿikira paʋakandoʋata, ʋakaaisa’po. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20028 Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJorodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana vaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Saizvozvo vaIsiraeri ivavo vakaita zvavakaudzwa naJoshuwa. Vakatora mabwe gumi namaviri pakati paJorodhani maererano nouwandi hwamadzinza avaIsiraeri sokuudziwa kwakaitwa Joshuwa naTenzi. Vakaatakura vakayambukira nawo kwavakandorara, vakaaisa ikoko. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona8 Saizvozvo vaIsiraeri ivavo vakaita zvavakaudzwa naJoshuwa. Vakatora mabwe gumi namaviri pakati paJorodhani maererano nouwandi hwamadzinza avaIsiraeri sokuudziwa kwakaitwa Joshuwa naTenzi. Vakaatakura vakayambukira nawo kwavakandorara, vakaaisa ikoko. Viz kapitola |