Joshua 4:7 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 muvataurire kuti mvura yeJorodhani yaiyerera yakaganhurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha. Pavakayambuka Jorodhani, mvura yeJorodhani yakaganhurwa. Matombo aya anofanira kuva chirangaridzo kuvanhu veIsraeri nokusingaperi.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Imi muti kwaʋari: Nokuti mvura yaJoridani yakagurwa pamberi peareka yesuŋgano yaJehova; ŋguʋa yayakayambuka Joridani, mvura yaJoridani yakagurwa; mabge awa acaʋa ciraŋgaridzo pakati paʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20027 Imi muti kwavari, ‘Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.’ ” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Imi muvataurire kuti, ‘Mvura yaJorodhani yakamboganhurwa pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano pakuyambuka kwarakaita Jorodhani. Mvura yaJorodhani yakaganhurwa. Saka mabwe iwaya achava chiyeuchidzo kuvaIsiraeri nokusingaperi.’ ” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona7 Imi muvataurire kuti, ‘Mvura yaJorodhani yakamboganhurwa pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano pakuyambuka kwarakaita Jorodhani. Mvura yaJorodhani yakaganhurwa. Saka mabwe iwaya achava chiyeuchidzo kuvaIsiraeri nokusingaperi.’ ” Viz kapitola |