Joshua 4:18 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi18 Zvino vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vachangobuda kubva pakati peJorodhani, tsoka dzavo dzichangotsika ivhu rakaoma, mvura yeJorodhani yakadzokera panzvimbo yayo ikazara kusvika nokumahombekombe ose. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)18 Ɀino ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka yesuŋgano yaJehova ʋakati ʋakwira ʋaɓuɗa mukati maJoridani, netsoka dzaʋaprista dzasimudzwa dzaȿika pasi pakawoma, mvura yaJoridani ikadzokera panɀimbo yayo, ikaɗarika nhiʋi dzarwo dzose sakare. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200218 Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJorodhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika18 Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano pavakakwira vachibva muna Jorodhani, pavakangoti simudzei tsoka dzavo vachitsika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani yakabva yadzokera pakare ikafashukira mhiri nemhiri sezvayakanga yakaita. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona18 Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano pavakakwira vachibva muna Jorodhani, pavakangoti simudzei tsoka dzavo vachitsika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani yakabva yadzokera pakare ikafashukira mhiri nemhiri sezvayakanga yakaita. Viz kapitola |