Joshua 18:9 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Saka varume vakaenda, vakafamba nenyika. Vakanyora rondedzero yayo mubhuku, guta neguta, muzvikamu zvinomwe, ndokudzokera kuna Joshua kumusasa paShiro. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Ʋarume ʋakaenda, ʋakafamba nenyika, ʋakarondedzera mubuku nyika namaguta ayo, ʋaciita migoʋe minna, ʋakaȿika kunaJoshua pamisasa paShiro. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20029 Varume vakaenda, vakafamba nenyika, vakarondedzera mubhuku nyika namaguta ayo, vachiita migove mina, vakasvika kuna Joshua pamisasa paShiro. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 Saka varume ava vakaenda, vakafamba nyika yose iyoyo vachiimema, vachinyora mubhuku mamiriro ayakaita, guta neguta. Vakaiisa muzvikamu zvinomwe, ndokudzokera kwaiva naJoshuwa kumatendhe kuShiro. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona9 Saka varume ava vakaenda, vakafamba nyika yose iyoyo vachiimema, vachinyora mubhuku mamiriro ayakaita, guta neguta. Vakaiisa muzvikamu zvinomwe, ndokudzokera kwaiva naJoshuwa kumatendhe kuShiro. Viz kapitola |