Johane 7:23 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi23 Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata? Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)23 Ɀino kana munhu aŋgadziŋgiswa nesaɓata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi monditsamŋira nokuti ndakaporesa munhu wose nesaɓata here? Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200223 “Zvino kana munhu angadzingiswa neSabata, kuti murayiro waMosesi urege kutyorwa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu wose neSabata here? Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika23 Kana muchidzingisa munhu nezuva reSabata muchiitira kuti mutemo waMosesi urege kutyorwa. Ko zvino munoshatirirwei kana ndakaporesa munhu zvokupedzeredza pamusi weSabata? Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona23 Kana muchidzingisa munhu nezuva reSabata muchiitira kuti mutemo waMosesi urege kutyorwa. Ko zvino munoshatirirwei kana ndakaporesa munhu zvokupedzeredza pamusi weSabata? Viz kapitola |