Johane 21:23 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi23 Nokuda kwaizvozvo, shoko rakapararira pakati pehama kuti mudzidzi uyu haaizofa. Asi Jesu haana kureva izvozvo kuti haaizofa; akangoti, “Kana ndichida hangu kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe?” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)23 Ɀino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haaŋgazofi. Asi Jesu haana‐kureʋa kwaari, kuti haaŋgazofi, asi kuti: Kana ndikaɗa kuti agare kuȿikira ndiciʋuya, uneiko naɀo iwe? Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200223 Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi. Asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi, asi kuti, “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe?” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika23 Pakabva pava norunyerekupe munevehama rwokuti mudzidzi iyeyu akanga asingazofa, asi Jesu akanga asina kuti haasi kuzofa asi akanga angoti, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka, zvinei newe?” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona23 Pakabva pava norunyerekupe munevehama rwokuti mudzidzi iyeyu akanga asingazofa, asi Jesu akanga asina kuti haasi kuzofa asi akanga angoti, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka, zvinei newe?” Viz kapitola |