Johane 19:6 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Vaprista vakuru navatariri vavo vakati vachimuona, vakadanidzira vachiti, “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!” Asi Pirato akapindura achiti, “Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 Ɀino ʋaprista ʋakuru naʋatariri ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Roʋerai pamucinjikwa, roʋerai pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumuroʋerei pamucinjikwa; nokuti ini handiwani mhoȿa kwaari. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20026 Zvino vapristi vakuru navatariri vakati vachimuona vakadanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumuroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Vapristi vakuru namapurisa pavakamuona vakabva vadaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa. Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati kwavari, “Chimutoraika iyemi mundomuroverera pamuchinjikwa nokuti ini ndashaya mhosva yaanayo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona6 Vapristi vakuru namapurisa pavakamuona vakabva vadaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa. Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati kwavari, “Chimutoraika iyemi mundomuroverera pamuchinjikwa nokuti ini ndashaya mhosva yaanayo.” Viz kapitola |