Johane 19:38 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi38 Shure kwaizvozvo, Josefa weArimatea akakumbira Pirato kuti apiwe mutumbi waJesu. Zvino Josefa akanga ari mudzidzi waJesu, asi muchivande nokuti aitya vaJudha. Akati abvumirwa naPirato, akauya akatora mutumbi waJesu. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)38 Shure kwaiɀoɀo Josefa weArimatia, waiʋa mudzidzi waJesu, asi cinyararire nokutya ʋaJuda, wakakumbira kunaPirato kuti abvise mutumbu waJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akaʋuya, akabvisa mutumbu wake Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200238 Shure kwaizvozvo Josefa weArimatia, aiva mudzidzi waJesu, asi chinyararire nokutya vaJudha, akakumbira kuna Pirato kuti abvise chitunha chaJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akauya, akabvisa chitunha chake. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika38 Mushure maizvozvi Josefi wokuArimatia, mudzidzi waJesu womuchivande pamusana pokutya vaJudha, akakumbira Pirato kuti iye aturure chitunha chaJesu. Pirato akamubvumira. Saizvozvo akauya akaturura mutumbi wake. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona38 Mushure maizvozvi Josefi wokuArimatia, mudzidzi waJesu womuchivande pamusana pokutya vaJudha, akakumbira Pirato kuti iye aturure chitunha chaJesu. Pirato akamubvumira. Saizvozvo akauya akaturura mutumbi wake. Viz kapitola |